Makange muri mubhazi reku Bulawayo, muine mumwe mupfanha. Saka akaudza conductor kuti azomumutsa kana asvika muKadoma, semunhu aingokotsira-kotsira.
Vava paNorton, mupfanha uya akamuka achibva ati kuna Conductor, "Tasvika here muKadoma". Zvikanzi naConductor, "Iwe mupfanha ndazvinzwa kudhara ndichakumutsa."
Vasvika paSelouse mupfanha uye achibva ämuka akabvunza futi kuti vakange vasvika muKadoma here. Conductor akamuti "Iwe mupfanha ndakuudza kuti ndichakumutsa, pfutseke mhani." Vava paChegutu achibva amuka futi achibvunza kana vasvika muKadoma. Conductor akamushaudha futi. Mupfanha uya achibva akotsira hake. Saka bhazi
rakazopfuura muKwekwe, nemuGweru mupfanha uya akakotsira chete.
Vava pakati peGweru ne Bulawayo mumwewo munhu akabva ati, "Ah, komupfanha weMuKadoma azoburuka here patasvika muKadoma" Ndipo pavakaona mupfanha uya achirimo." Saka Conductor naDriver vakange vaakuda kuti mupfanha uya aburuke ipapo vanhu vakacomplainer vachida kuti Bhazi ridzokere kusvika kuKadoma kuye. Saka bhazi rakadzokera kuKadoma.
Vasvika muKadoma muya, zvikanzi na Conductor, "Mupfanha chiburuka" Zvikanzi nemupfanha uya, "Aiwa, ndiri kuenda kuBulawayo, ticket rangu ndere kuBulawayo. Ndanga ndanzi naamai kana ndasvika muKadoma ndochizodya huku yavanga vandigadzirira"