Tezvara vakange vakagara nemukwasha vachidziya zuva. tezvara ava vakange vaine mbiri yekusura.
Pane imbwa yainzi bhingo yakange yakazvirariwo zvayo. tezvara vabva vati bhuu kusura.mukwasha ndokuti iwe bhingo. saka tezvara vakafunga kuti tsoro yavo haina kubatwa. tezvara vakati bhuu zvakare .mkasha ndokuti iwe bhingo haunzwe here. tezvara vaenderera mberi ndokuti bhuuuuuuu ..
mukwasha akati iwe bhingo ndati ibva apo unomamirwa.
Inzwa conversation iripano mukomana aida kutaura nechimoko bt changa chisina fone so
akafona pane yamudhara wacho:
Baba: haloo
muface :halo ndingataure wo na stella
baba: ndiwe ani
muface: ndini Kero
Baba: unoti ndiwe Caro anenzwi rechirume manje hausi kuzotaura naye kana usina kundiudza kt ndiwe ani
Muface: inga ndirikutaura wani kt ndini Kerovhini
mkwasha akaenda kwa ambuya vake ndokunzi naambuya mkwasha maita mauya sungirirai satelite dish, mkwasha nekunyara kuti haagone akakwira pamsoro pemba pasina nguva ambuya vakanzwa pasi kurira zvine mutsindo, ambuya vakabvunza mkwasha kuti chii chadonha, mkwasha akati ihovhorosi zvikanzi na ambuya ine mutsindo kudaro, mkwasha akati ndiri mukati mayo.
Tsamba kumukwasha.
Anodiwa mukwasha Todd.Ndinotenda chose negirosari ramakatitengera bt mukaka uya unonzi Handy Andy watikuwadza nemanyoka tinovimba kt mudumbu mavhunduka chirungu, hupfu huya hunonzi Vim hausi kutsengeka zvakanaka asi totenda kuti wakati mbembe kuchena, madhuringi anonzi Sunlight irikupupuma neMukwa haasi kutapira takutowedzera shuga, kozoita tsotso dziya dzinonzi Spaghetti dziri kunanauka ukadziisa pachoto.
Guys help me! My wife told me kuti vatezvara varikunzwa dzungu saka manje ndoda kuvafonera ndinzwe kuti vari sei. Zvino ndotikudii?
a) "Maswera sei nedzungu renyu?" OR
b) "Ndanzwa kuti mune dzungu?" OR
c) "Razopera here dzungu?" kana ndongoti
d) "Ndimika mune dzungu"
Ndotikudii?