Find by tag

ndaibva

Rimwe benzi rakagara haro mumuti...ndobva rangozo zvidonhedza pasi vanhu vaiva pasi vakati ko chii zvikanzi : "ndiri avocado... ndaibva"

Gospel nema Avocado (2016)

Unonzwa Fungisai achiimba kuti amai ndakanaka handisi avocado repamusika rinongobatwa richisiiwa asi wozonzwa Andy Muridzo achiimbawo kuti mai mwana wakanaka uri avocado unenge Derira

Wotoshaya kuziva kuti ko asi maAvocado acho akasiyana here

Mabasa embanje - avocado

John naJames vapedza zvawo kurova mbanje vakaenda pamuAvocado ndokuona Avo (kotopeya) riri pamusorosoro vakatanga kuritema nematombo vachitadza kuridonhedza. 
Pava paya, vaneta, John ndopaakati sha tikangofira kutema Avo risina kuibva pano rega ndikwire tione kana rakaibva. John akakwira ndokusvikori dzvanya dzvanya ndokubva dzaburuka zvikanzi rakaibva sha ngatishingirirei rinodonha

kuda zvinhu - menu mu hotera

Woenda Holiday Inn, woona menu yakanzi: 
  • Salted white corn, rare jucy beans, garnished with rift potatoes & topped with organic unprocessed guacamole!
  • Price: $ 52
Wobva wa Order!
Wobva waunzirwa only to find out Mutakura  with some Avocado.
Apo ndopaunatanga kuziwa kuti teacher we English akanga asiri munhu wekutamba naye.

chinoita ndisafarira makotopeya (avocado)

Ndakambonhonga $1 mu taxi,ndobva ndatenga ma avo nepa window fast fast..Ko ndagozivei kuti ndeyangu yadonha muhomwe apa ndiyo yekubhadhara taxi😭😭😭Driver aka dropper vanhu vese kwakudzokera neni kunondisiya ku Rank..Kubva musi iwoyo ini ne Avo hationane😭😭😭

Get nyambo in your inbox!