Find by tag

enda zvako January

Pawakauya uri mutsva vanhu vakaridza mhururu nemheterwa,kongonya nebhamujaivhi zvikasendekerwa iwe.Munhu wese akatubwida nemufaro achikufarira.Musi wacho wakarara uchipembererwa,vazhinji vakarara vakasvinura.Hapana akafungidzira kuti uzere nekuomera nekunyima kwakadai.lye zvino hapana achada kunzwa nezvako.Watinhongesa svosve nemuromo.lye zvino hapana achada kunzwa nezvako.Chienda zvako usadzokazve nekuti hapana achakuda,watitambudza iwe zvakwana.Enda zvako nekunyima kwako,enda zvako iwe JANUARY

Kuoma kwezvinhu kunge Ndira

Ndinoziva kuti paane vanhu vanobata bata but pliz kana pane akabata calender akadzosera kuna January, pliz tigadzirisirewo. Manetsero emari aya ndijanuary chete uyu!

sasi remusi wa 1 Ndira

ka date kamangwana hakadi kutaurwa uchimhanya.mangwana ndo 2 ndira

Masasi ekupenga - kuroja muJanuary disease

Mazuvano kana uchitsvaga poku lodger tsvaka pane michero inombokujega January uno izvozvi ndatoburuka mumumango😂😂😂😂

Kuvhundutsa vavengu muJanuary disease

New January strategy. Buda necooler box yako unotenga cabbage uvhundutse vavengi 😎😎

January disease - medical aid

Imi vanhu varimuno hakuna kunotengeswa grocery ne medical aid card here 🥴🥴🥴

Bhora? muna January?

Unongoona wega kuti icabbage ririmu bag. Hakuna munhu anotenga bhora muna January

Recipe dzemunhu ari kurarama ne cabbage muna January

CABBAGE, Mudyandakasugwa, An All rounder.

BREAKFAST: cheka cheka twuma small slices wofraya muma domasi ne onion. Serve with bread. Kana egg n bacon haisvike ipapo.

LUNCH: Dzokorodza mabikiro awaita kuseni, asi zvinoizvi ochitimba nemukonde wesadza. Unonwa mvura ukazvirega. Muswere wese hautaure nemunhu.

SUPPER: Isa cabbage rako mudovi. Wapedza masports ese. Unozongoerekana wave muna March.

SUPPEMENTARY RECIPE: Womesa cabbage uite mufushwa. Chiwanza dovi, curry ne onion. Ku Butcher hausvikeko futi.

ma bank balance aJanuary

Ma bank balance ava kutanga kuita kunge ma radio station. Angova ma:
89.7
94.5
90.12
100.5

Get nyambo in your inbox!