Mumwe muface aibva kunorova mbanje achibva awsvika paden ndokuwana gezha yapopa
kubva kurifazi, achibva akena muddenazi ndokubva ati manheru baba maswera sei?,
ngezha ndokudavira, achibva apinda mubedroom make kuti ambonoviga mbanje dzanga
dzasara, adzoka musitting room manga mune ngezha achibva ati manheru maswera
sei?, achibva apfuurira kuenda kukitchen ndokutora sadza rake achibva asvikogara
ndokubva ati manheru maswera sei?, apa ngezha yaiva yamutarisa nepamusoro
penewspaper yayaiverenga, dzichibva dzarova skero, dzapedza ndobva dzanodzosera
maplates kukichini achibva asvikoti manheru baba maswera sei?, apa ngezha haina
kupindura, achibva agara pasofa, kamunin'ina kake kachibva kauya kuseri kwesofa
kachiti vha -aamumu vhaaaamu, yava 20, vhaaaamu yava mu50, kachiramba
kachingodaro kusvika kava mu180, a-aah blaz vembanje vachibva vasimuka
ndokuvhara nembama hanzi iwe inotibheutsa unoda kuuraiyisa mhuri yese.