Nyambo anga anzwa nekutsvaka basa... Then finally 1 day akawana basa reku driver paMental hospital... His first job was to transport mapenzi 20 from Harare to Bulawayo - Engutsheni.
Mota yacho yanga yakaita kunge dziye dzekuPrison.. Nyambo was told never to open the truck munzira no matter what... So he set off for Bluez.. Akuda kusvika paNorton rimwe benzi rigotanga noise richida recess.. Nyambo ignored but the noise was too much so he decided kurivhurira for a minute..
Mapenzi ese akabuda achimhanya musango.. Hapana kana raakabata.. He was so stressed.. First day pabasa here amana... Zvisineyi, akabva asvika hake muNorton ndokugaya. Akati zano nderipi.. Akabva adeedzera dhora Bulawayo.. Mota haina kumboita 5 minutes yanga yazara..
Nyambo akarova mota straight to Bluez.. Straight to Engutsheni Mental Hospital.. Apa vanhu vanga vakuita noise coz anga adarika ma stop avo.. Achisvika paHospital vanga vakatomumirira. .
Pavakanzwa noise vakabva vati"haa anhasi aya anenge anopenga moto".. Vanhu vaye the more they explained how they got there, ndopavaitonzi maiwee vabayeyi ma injection tozovaona mangwana.