Isu tiri makorekore ekuDande varaihwai notsumo dzedu idzi
1)Nzungu ibodzi idewora inetayisa dama rese.
2)Chawawana ija naabiyako atohwa anevaraihwa.
3)Mombe yekupasiwa wetekama udenangara nzira.
4)Nhamo inhamo zvayo anyoko havarooresewe.
5)Karombo kununa kunyopora mabiyakene.
6)Mutemo Mutemo kunya wetechonjomara.
7)Tidebva nako kuderimiwa mhunga hakuna mugunde.
8)Zvidenyohwa zvidenyohwa hazvinyohonohwe.
9)Tombi asingarire anefira muchari.