Tindo achishandisa bhaibheri kupfimba:
Tindo: Une mukomana here?
Girl: Handina
Tindo: Gen 2:18 "Jehova Mwari akatizve, Hazvina kunaka,kuti munhu agare ariwoga, ndichamuitira mubatsiri akamukwanira.
Girl: Handikudei bhudhi.
Tindo: 1 John 4:8 Usingadi haazivi Mwari, nokuti MWARI RUDO
Girl: Ndoziyasei kuti urikurevesa nemashoko ako aya?
Tindo: Matt 12:34 Nokuti muromo unotaura zvizere pamoyo
Girl: Manje ndoziya sei kuti wakatendeka muzvokwadi?
Tindo: Mark 13:31 Denga napasi zvichapera asi mashoko haaperi
Girl: But why wada ini? Vasikana hobho pasi rese
Tindo: Prov 31:29 Vakunda vazhinji vakaita zvakanaka, asi iwe unovakunda vese.
Girl: But waonei mandiri chaita kuti undide?
Tindo: Song of Solomon 4:7 Akaisvonaka, iwe shamwari yangu, Hakuna gwapa kwauri.
Girl: Uhmmmmmm, wakuwedzera tunzungu iwe?
Tindo: Prov 31:30 Zvinofadza zvinonyengedzera, unaki hauna matura. Asi mukadzi anotya Jehova, ndiye anofanira kurumbidzwa.
Girl: Saka ndikabvuma chii chinoitika?
Tindo: Gen 2:24 Naizvozvo munhu anofanira kusiya baba naamai vake, anamatire mukadzi wake vave nyama imwe.
Girl: Uhmmmm, sei uchiziya bhuku dzvene kudaro?
Tindo: Joshua 1:8 Bhuku iyi murairo haifaniri kubva pamuromo wako asi unofanira kurirangarira masikati nousiku kuti uchenjere kuita zvose zvakanyorwamo. Nokuti nokudaro uchazviwanira mufaro panzira yako nokubata nokuchenjera.
Girl: Woow, i can see you love God
Tindo: Ps 34:8 Ravirai henyu muone kuti Mwari Havana chinhu chakanaka chavangashaiwa.
Girl: Mmmm, ok chimbondipa nguva ndifunge nezvenyaya yako
Tindo: Philippian 4:8 Pakupedzisira hama dzangu zvose zvazvokwadi zvose zvinokudzwa, zvose zvakarurama zvose zvakachena zvose zvinodikanwa zvose zvinorumbidzwa kana kunaja kupi nekupi kana chingarumbidzwa chipi nechipi, fungisisa izvozvo
Girl: wow, Tindo ndinenge ndatokuda ini
Tindo: Revelation 22:21 "Amen"