Find by tag

Murombo haarovi Chinenguwo

Ndakasvika pakaungana vanhu ndikati paneiko, wanike ndiChinenguwo naMurombo vari kurwa. Ahhh, Murombo akakanda chematsenganzungu, Chinenguwo ndobva anzvenga, Chinenguwo achibanha Murombo nembhutsu, Murombo achiwira kwakadaro uko. 
Chinenguwo ndokuzogara pamusoro paMurombo ndokutanga kumutsonda nezvibhakera kusvika asarenda.
Chokwadi musi uyu ndakaona kuti Murombo haambofa akarova Chinenguwo

ndatya kuti pamwe ndo baba vangu

Mumwe murume akabata mukadzi wake nechikomba. Akarwisana nechikomba chakabva chamukurira. 
Mwana wake mukomana aivapo asi haana kubatsira baba vake, akangoramba amire zvake. Baba vakamuti sei warega ndichirohwa usingandibatsire? 
Zvakanzi ndaona kuti amai ihure. Ndakarwisa chikomba pamwe ndoo baba vangu chaivo.

Kunetsana neva vakidzani

Unenge uchirwa neneighbour yako wonzwa ichiti hoo,saka hupfu hwangu huri kukupa simba nhai

๐Ÿ˜ƒ๐Ÿ˜ƒ๐Ÿ˜ƒ๐Ÿ˜ƒ๐Ÿ˜‚๐Ÿ˜‚๐Ÿ˜‚

Vana variku rovana...

๐Ÿ‘ฉ๐Ÿพโ€๐ŸฆฐBabe vana varikurovana
๐Ÿ‘จ๐Ÿพโ€๐Ÿฆฐndevapi varikurovana?
๐Ÿ‘ฉ๐Ÿพโ€๐Ÿฆฐndewangu newako varikurova wedu๐Ÿคฃ๐Ÿ˜‹

Nyeredzi yembama inonzi chii?

Nhaimi vanhu vakaita geography, nyeredzi yaunoona kana wapihwa mbama inonzi chii?

Get nyambo in your inbox!